Numbers 3

VaRevhi

1Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai.

2Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari. 3Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista. 4Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu.

5Jehovha akati kuna Mozisi, 6“Uyisa rudzi rwaRevhi ugovaisa pamberi paAroni muprista kuti vagomubatsira. 7Vanofanira kuita mabasa ake uye vagoshandira ungano yose paTende Rokusangana nokubata basa retabhenakeri. 8Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri. 9VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose. 10Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

11Jehovha akatizve kuna Mozisi, 12“Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu, 13nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai, 15“Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.” 16Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

17Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi:
Gerishoni, Kohati naMerari.
18Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni:
Ribhini naShimei.
19Dzimba dzavaKohati:
Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
20Dzimba dzavaMerari:
Mari naMushi.

Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.

21Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni.
22Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.
23Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.
24Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Eriasafi mwanakomana waRaeri.
25VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenakeri netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana, 26zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.

27Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmiramu, vaIsraeri, vaHebhuroni navaIzhari; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.
28Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu.
VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.
29VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri.
30Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati akanga ari Erizafani mwanakomana waUzieri.
31Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, nezvose zvaidiwa pakuzvishandisa.
32Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

33Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari.
34Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri.
35Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.
36VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo, 37pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.

38Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana.
Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri.
Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.

39Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri.

40Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo. 41Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”

42Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha. 43Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu.

44Jehovha akatizve kuna Mozisi, 45“Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha. 46Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri, 47unofanira kutora mashekeri mashanu
magiramu angaita 55
kubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri.
48Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vanopfuura uwandu hunodiwa kuna Aroni navanakomana vake.”

49Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi. 50Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekeri
makirogiramu angaita 15.5
, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.
51Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

Copyright information for SnaBDSC